Acts 21

Pauro anoenda kuJerusarema

1Shure kwokuparadzana kwedu navo, takaenda kugungwa tikandokwira chikepe tikananga kuKosi. Zuva rakatevera takaenda kuRhodzi uye tichibva ikoko takaenda kuPatara. 2Takawana chikepe chaiyambuka chichienda kuFonisia, tikakwira machiri tikaenda. 3Takati taona Saipurasi takaipfuura nechezasi kwayo, tikaenda kuSiria. Takandoburuka chikepe paTire, paiburutsa chikepe chedu nhumbi dzacho. 4Takati tawana vadzidzi ipapo, takagara navo kwamazuva manomwe. Vakakumbirisa Pauro kubudikidza noMweya kuti arege kuenda kuJerusarema. 5Asi nguva yedu yakati yapera, takabvapo tikaenderera mberi norwendo rwedu. Vadzidzi vose pamwe chete navakadzi vavo navana vakatiperekedza vakatisiya tava kunze kweguta, uye pamahombekombe ipapo takapfugama tikanyengetera. 6Shure kwokuonekana kwedu, takabva taenda kundokwira chikepe, ivo vakadzokera kumusha kwavo.

7Takapfuurira mberi norwendo rwedu tichibva kuTire tikandoburuka chikepe paToremai, patakakwazisana nehama tikagara zuva rimwe chete navo. 8Zuva rakatevera takabvapo, tikandosvika kuKesaria tikandogara pamba pomuvhangeri Firipi, mumwe wavaya vanomwe. 9Akanga ana vanasikana vana vakanga vasati vawanikwa vaiprofita.

10Shure kwokugara kwedu ipapo kwamazuva akati kuti, muprofita ainzi Agabhusi akasvika achibva kuJudhea. 11Asvika kwatiri, akatora bhanhire raPauro, akabva azvisunga makumbo namaoko ake naro akati, “Mweya Mutsvene anoti, ‘Nenzira imwe chete iyoyi, vaJudha vokuJerusarema vachasunga muridzi webhanhire vagomuisa mumaoko eveDzimwe Ndudzi.’ ”

12Takati tanzwa izvi, isu navanhu voko takakumbirisa Pauro kuti arege kukwidza kuJerusarema. 13Ipapo Pauro akapindura akati, “Seiko muchichema uye muchirwadzisa mwoyo wangu? Ini ndakagadzirira kwete kusungwa kwoga, asi kufawo muJerusarema nokuda kwezita raIshe Jesu.” 14Paakaramba kudziviswa, isu takamurega tikati, “Kuda kwaShe ngakuitwe.”

15Shure kwaizvozvo takagadzirira tikakwidza kuJerusarema. 16Vamwe vadzidzi vokuKesaria vakatiperekedza vakatisvitsa kuimba yaMunasoni, uko kwataifanira kundogara. Akanga ari murume aibva kuSaipurasi uye ari mumwe wavadzidzi vokutanga.

Kusvika kwaPauro paJerusarema

17Takati tasvika paJerusarema, hama dzakatigamuchira nomufaro. 18Zuva rakatevera Pauro nesu tose takaenda kundoona Jakobho, uye vakuru vose vaivapo. 19Pauro akavakwazisa uye akanyatsovarondedzera zvakanga zvaitwa naMwari pakati pavaHedheni kubudikidza noushumiri hwake.

20Vakati vanzwa izvi, vakarumbidza Mwari. Ipapo vakati kuna Pauro, “Unoona, hama, kune zviuru nezviuru zvavaJudha vakatenda, uye vose zvavo vanoshingairira murayiro. 21Vakaudzwa kuti iwe unodzidzisa vaJudha vose vagere pakati peveDzimwe Ndudzi kuti vatsauke kubva kuna Mozisi, uchivaudza kuti varege kudzingisa vana vavo kana kuchengeta tsika dzedu. 22Zvino toita seiko? Vachanzwa zvirokwazvo kuti wauya, 23saka iwe chiita zvatinokuudza zvino. Tina varume vana pano vakaita mhiko. 24Tora varume ava, ubatane navo pakuzvinatsa kwavo, uye iwe ugovaripira kuti vaveurwe misoro yavo. Ipapo munhu wose achaziva kuti hapana chokwadi pane zviri kurehwa pamusoro pako, asi kuti iwe pachako unoteerera murayiro. 25Kana vari vatendi vokune veDzimwe Ndudzi, takavanyorera pane zvatakatema kuti varege kudya zvakabayirwa kuzvifananidzo, uye ropa, nenyama yemhuka dzakadzipwa uye varege upombwe.”

26Zuva rakatevera Pauro akatora varume vaya uye akazvinatsa pamwe chete navo. Ipapo akaenda kutemberi kundozivisa kupera kwamazuva okuzvinatsa uye kuti chipiriso chaizoitirwa mumwe nomumwe wavo rinhi.

Pauro anosungwa

27Mazuva manomwe akati oda kupera, vamwe vaJudha vaibva kuEzhia vakaona Pauro patemberi. Vakamutsa vanhu vazhinji uye vakamubata, 28vachishevedzera vachiti, “Varume veIsraeri, tibatsirei! Uyu ndiye murume anodzidzisa vanhu kwose kwose zvinopesana navanhu vokwedu, murayiro wedu uye nenzvimbo ino. Zvisati zviri izvozvo zvoga, akapinza vaGiriki muruvanze rwetemberi akasvibisa nzvimbo iyi tsvene.” 29(Nokuti vakanga vamboona Tirofimasi muEfeso ari muguta pamwe chete naPauro vakafunga kuti Pauro akanga apinda naye mutemberi.)

30Guta rose rakamutswa, uye vanhu vakauya vachimhanya vachibva kumativi ose. Vakabata Pauro, vakamukwevera kunze kwetemberi, pakarepo masuo akazarirwa. 31Pavakanga vachiedza kumuuraya, shoko rakasvika kumukuru wehondo yeuto ravaRoma richiti guta rose reJerusarema rakanga raita bope. 32Pakarepo akatora mamwe machinda navarwi akamhanyira kuvanhu. Vaiti vebongozozo vakati vachiona mukuru wamauto ana varwi vake, vakabva varega kurova Pauro.

33Mukuru wamauto akauya akasunga Pauro uye akarayira kuti asungwe nengetani mbiri. Ipapo akamubvunza kuti akanga ari ani uye kuti akanga aitei. 34Vamwe vaiva pakati pavanhu vazhinji ava vakadanidzira, mumwe ichi, mumwe icho, uye sezvo mukuru wamauto akanga asingagoni kusvika pachokwadi chenyaya nokuda kwebope, akarayira kuti Pauro aiswe kudzimba dzavarwi. 35Pauro akati asvika pamatanho, bongozozo ravanhu rakanga rakurisa zvokuti akaita zvokutotakurwa navarwi. 36Vanhu vazhinji vaimutevera vakaramba vachidanidzira vachiti, “Ngaaurayiwe!”

Pauro anotaura kuvanhu

37Varwi pavakanga vava kuda kupinza Pauro mudzimba dzavarwi, akakumbira mukuru wavarwi akati, “Ndingataurawo nemi here?”

Iye akati, “Unotaura chiGiriki here?
38Ko, hauzi uya muIjipita akamutsa bope, akatungamirira zviuru zvina zvavapanduki mugwenga nguva dzakapfuura here?”

39Pauro akapindura akati, “Ini ndiri muJudha anobva kuTasasi kuSirisia, munhu weguta rakakurumbira. Ndapota regai nditaure kuvanhu.”

40Akati apiwa mvumo nomukuru wavarwi, Pauro akamira pamatanho akaninira vanhu noruoko rwake. Uye vakati vanyarara vose, akati kwavari nechiHebheru:

Copyright information for SnaBDSC